Psalms 25

Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha, ndinosimudzira mwoyo wangu kwamuri;
2haiwa Mwari wangu, ndinovimba nemi.

Musandirega ndichinyadziswa,
uye musarega vavengi vangu vachindikunda.
3Hapana munhu ane tariro mamuri
achanyadziswa,
asi vachanyadziswa
avo vanonyengera pasina chikonzero.

4Ndiratidzei nzira dzenyu, imi Jehovha,
ndidzidzisei nzira dzenyu;
5nditungamirirei muzvokwadi yenyu mugondidzidzisa,
nokuti ndimi Mwari Muponesi wangu,
uye tariro yangu iri pamuri zuva rose.
6Rangarirai, imi Jehovha, ngoni dzenyu huru norudo,
nokuti zvakabvira kare.
7Regai kurangarira zvivi zvouduku hwangu,
nenzira dzangu dzandaikumukirai nadzo;
ndirangarirei nokuda kworudo rwenyu,
nokuti makanaka, imi Jehovha.

8Jehovha akanaka uye akarurama;
naizvozvo anodzidzisa vatadzi nzira dzake.
9Anotungamirira vanozvininipisa mune zvakarurama,
uye anovadzidzisa nzira yake.
10Nzira dzose dzaJehovha ndedzorudo nokutendeka,
kuna avo vanochengeta zvirevo zvesungano yake.
11Nokuda kwezita renyu, imi Jehovha,
kanganwirai chakaipa changu, kunyange chiri chikuru.

12Ndiani, zvino, munhu anotya Jehovha?
Achamudzidzisa nzira yaakasarudzirwa.
13Achararama upenyu hwake mukubudirira,
uye zvizvarwa zvake zvichagara nhaka yenyika.
14Jehovha anogara pakati pavanomutya;
anozivisa sungano yake kwavari.
15Meso angu anoramba achitarira kuna Jehovha,
nokuti ndiye chete anosunungura tsoka dzangu pamusungo.

16Dzokerai kwandiri uye mundinzwire nyasha,
nokuti ndiri ndoga uye ndinotambudzika.
17Matambudziko omwoyo wangu awanda;
ndisunungurei pakurwadziwa kwangu.
18Tarirai kutambudzika kwangu nenhamo yangu,
mugobvisa zvivi zvangu zvose.
19Tarirai kuwanda kwaita vavengi vangu,
uye kuti vanondivenga zvakakura sei!

20Rindai upenyu hwangu mugondinunura;
ndirege kunyadziswa,
nokuti ndinovanda mamuri.
21Kusanyengera nokururama ngazvindichengete,
nokuti tariro yangu iri mamuri.

22Dzikinurai Israeri, imi Mwari,
kuti vabve mumatambudziko avo ose!
Copyright information for SnaBDSC